Hymn 241 Nyika Ye Kenani

[V1]
Kune nyika yakanaka, Rufaro rwayo ngerwangu
Kune zuva rinopenya, Dima repasi rapera

[C]
Nyika iyo yeKenani!, Ndinodisa kusvikayo
Ndichaona zvakanaka zvenyikayo iri yangu
Ine dzimba dzagadzirirwa ini iko kudenga

[V2]
Tenzi ozofamba neni, Kusangana kweukama!
Ndiye anotungamira, Munyika’yo yerufaro

[C]
Nyika iyo yeKenani!, Ndinodisa kusvikayo
Ndichaona zvakanaka zvenyikayo iri yangu
Ine dzimba dzagadzirirwa ini iko kudenga

[V3]
Kunhuwira kwakanaka, Kunozobva kune miti
Nemaruva akanaka, Kune mvura yeupenyu

[C]
Nyika iyo yeKenani!, Ndinodisa kusvikayo
Ndichaona zvakanaka zvenyikayo iri yangu
Ine dzimba dzagadzirirwa ini iko kudenga

[V4]
Denga rese rozara, Nenzwiyo dzakanaka kwazvo
Ngirosi dzoimba pamwepo, Nechita chevatsvene

[C]
Nyika iyo yeKenani!, Ndinodisa kusvikayo
Ndichaona zvakanaka zvenyikayo iri yangu
Ine dzimba dzagadzirirwa ini iko kudenga

241. Nyika Ye Kenani

Link copied to clipboard successfully!