Hymn 158 Kurumidzanyi Zuva Renyu Rakanaka

[V1]
Kupura kwepasi kwaswedera
Tenzi anodana vacheki vake
Kure nepetyo mapfunde aibva
Aibva kuti apinzwe mudura

[C]
Swendedza musi, Takura mwanda
Swendedza musi, kumusha

[V2]
Mangwanani asina kuchenaba
Arikukasika kuswedera
Mapfunde akaraswa muchitema
Ngaaunganidzwe nguva ichipo

[C]
Swendedza musi, Takura mwanda
Swendedza musi, kumusha

[V3]
Zvanaka kusevenza nerudo,
Tsime rakanaka rekudenga
Tokokwa tosundwa neurwu rudo
Runotipa michero yakawanda

[C]
Swendedza musi, Takura mwanda
Swendedza musi, kumusha

158. Kurumidzanyi Zuva Renyu Rakanaka

Link copied to clipboard successfully!